Proverbs 4

Uchenjeri chinhu chikuru

1Teererai, vanakomana vangu, kurayira kwababa venyu;
nyatsoteererai mugowana kunzwisisa.
2Ndinokupai dzidziso yakanaka,
saka regai kurasa dzidziso yangu.
3Pandakanga ndiri mukomana mumba mababa vangu,
ndichiri muduku uye mwana mumwe chete wamai vangu,
4baba vangu vakandidzidzisa vachiti,
“Mwoyo wako ngaubatisise mashoko angu;
chengeta mirayiro yangu ugorarama.
5Wana uchenjeri, wana kunzwisisa;
usakanganwa mashoko angu kana kubva paari.
6Usarasa uchenjeri, ipapo huchakuchengeta;
hude, ihwo hugokurinda.
7Uchenjeri chinhu chikuru; naizvozvo wana uchenjeri.
Kunyange huchikutorera zvose zvaunazvo, wana kunzwisisa.
8Uhukudze; ipapo huchakusimudzira;
uhumbundikire, ipapo huchakukudza.
9Huchakupfekedza chishongo chenyasha mumusoro mako,
uye huchakupa korona yokubwinya.”
10Teerera, mwanakomana wangu, gamuchira zvandinotaura,
ipapo makore oupenyu hwako achava mazhinji.
11Ndinokudzidzisa nzira youchenjeri
uye ndiri kukutungamirira panzira dzakarurama.
12Paunofamba, tsoka dzako hadzingapinganidzwi,
paunomhanya, haungagumburwi.
13Batisisa kurayirwa, usarega kuchienda;
nyatsokurinda zvakanaka, nokuti ndihwo upenyu hwako.
14Usaisa rutsoka panzira dzavakaipa,
kana kufamba panzira dzavanhu vakaipa.
15Udzinzvenge, usafamba padziri;
tsauka padziri ugopfuurira mberi.
16Nokuti havangavati vasati vaita zvakaipa;
havangabatwi nehope kusvikira vaita kuti mumwe munhu aputsike.
17Vanodya zvokudya zvezvakaipa,
uye vanonwa waini yezvechisimba.

18Nzira yavakarurama yakafanana nechiedza chamambakwedza,
chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pachiedza chamasikati makuru.
19Asi nzira yavakaipa yakaita serima guru;
havazivi zvinoita kuti vagumburwe.

20Mwanakomana wangu, nyatsoteerera zvandinotaura;
teereresa kumashoko angu.
21Usaite kuti abve pameso ako,
achengete pakati pomwoyo wako;
22nokuti upenyu kuna avo vanoawana
uye noutano kumuviri wose womunhu.
23Pamusoro pazvo zvose, chengetedza mwoyo wako,
nokuti ndicho chitubu choupenyu.
24Bvisa zvinotsausa pamuromo wako;
kutaura kwakaora ngakuve kure nemiromo yako.
25Meso ako ngaatarire mberi bedzi,
ramba wakatarira mberi kwako.
26Gadzirira tsoka dzako gwara
ugofamba munzira dzakasimba chete.
27Usatsaukira kurudyi kana kuruboshwe;
chengetedza rutsoka rwako kuti rusaende pane zvakaipa.
Copyright information for SnaBDSC